Romans 1

Kwaziso

1Pauro, muranda waJesu Kristu, wakadanwa kuva muapositori, atsaurirwa evhangeri yaMwari, 2(yaakagara avimbisa nevaporofita vake mumagwaro matsvene), 3maererano neMwanakomana wake, wakabva kumbeu yaDhavhidhi zvichienderana nenyama, 4wakatemerwa kuva Mwanakomana waMwari nesimba, maererano neMweya weutsvene, nekumuka kwevakafa, ndiye Jesu Kristu Ishe wedu; 5watakagamuchira naye nyasha nevuapositori kuti kuve kuteerera kwerutendo pakati pevahedheni vese, nekuda kwezita rake, 6vamuri pakati pavo nemwi, vakadanwa vaJesu Kristu; 7kune vese vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuva vatsvene: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.

Rudo rwaPauro kuVaRoma

8Kutangawo ndinovonga Mwari wangu nemuna Jesu Kristu pamusoro penyu mese, kuti rutendo rwenyu rwunoparidzirwa panyika yese. 9Nokuti Mwari chapupu changu, wandinoshumira pamweya wangu muevhangeri yeMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai, 10panguva dzese muminyengetero yangu ndinokumbira, kuti kana zvichigoneka nechido chaMwari, ndibudirire kuuya kwamuri pakuguma. 11Nokuti ndinoshuva kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chemweya, kuti musimbiswe, 12ndiko kuti, ndinyaradzwe pamwe pakati penyu, nerutendo rweumwe neumwe, zvese rwenyu nerwangu. 13Zvino handidi kuti musaziva, hama, kuti kazhinji ndaizvipira kuuya kwamuri (ndokudziviswa kusvikira ikozvino), kuti ndive nechimwe chibereko pakati penyuwo, sepakati pevamwe vahedheniwo. 14Ndine ngava kuVaGiriki nekuvatorwawo, kuvakachenjera nekune vasina kuchenjerawo; 15saizvozvo sezviri mandiri ndakagadzirira kuparidza evhangeri kwamuriwo imwi muri paRoma.

16Nokuti handinyadzisvi neevhangeri yaKristu; nokuti isimba raMwari rinoendesa kuruponeso kune umwe neumwe anotenda, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo. 17Nokuti kururama kwaMwari kunoratidzwa mairi kubva parutendo kusvika parutendo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Asi wakarurama achararama nerutendo.

Kurasika kwevahedheni

18Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kubva kudenga pamusoro pekusada Mwari kwese nekusarurama kwevanhu vanodzivisa chokwadi nekusarurama; 19nokuti izvo zvinozikanwa pamusoro paMwari zviri pachena pakati pavo; nokuti Mwari wakazviratidza kwavari. 20Nokuti zvisingaonekwi zvake, kubva pakusikwa kwenyika, zvinonzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvinooneswa pachena, simba rake rekusingaperi pamwe neuMwari hwake, kuti vasava nemanzvengero; 21nokuti vakati vaziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari kana kuvonga, asi vakava vasina maturo mumirangariro yavo, nemoyo wavo usinganzwisisi wakaitwa mutema. 22Vachizvipupurira kuva vakachenjera vakava mapenzi, 23uye vakashandurira kubwinya kwaMwari asingafi kumufananidzo wechifananidzo chemunhu anofa nekushiri nekuzvine makumbo mana nekuzvinokambaira. 24Naizvozvowo Mwari wakavapa kutsvina kubudikidza nekuchiva kwemoyo yavo, kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo; 25avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, uye vakanamata nekushumira chisikwa kupfuura Musiki, iye anorumbidzwa nekusingaperi. Ameni. 26Nekuda kweizvozvo Mwari wakavapa kukuchiva kunonyadzisa; nokuti kunyange vanhukadzi vavo vakashandura basa rechisikirwo rive rinopesana nechisikirwo; 27uye saizvozvowo vanhurume vakasiya basa rechisikirwo kumunhukadzi, vakapiswa nekuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume vachiita zvinonyadzisa vachigamuchira mukati mavo muripo wakafanira kurasika kwavo. 28Uye zvavakaona zvisina kufanira kugara naMwari muruzivo, Mwari wakavapa kumurangariro wakaraswa, kuti vaite zvinhu zvisakafanira; 29vakazadzwa nekusarurama kwese, ufeve, kuipa, ruchiva, unhubu, kuzara negodo, umhondi, gakava, kunyengera, utsotsi, vanoita makuhwa, 30vacheri, vavengi vaMwari, vazvidzi, vadadi, vanozvikudza, vavambi vezvakaipa, vasingateereri vabereki, 31vasinganzwisisi, vaputsi vesungano, vane utsinye, vasingaregereri, vasina tsitsi, 32avo vanoti vachiziva murairo wekururama kwaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa nerufu, havaiti izvo chete, asiwo vanotenderana nevanozviita.

Copyright information for Shona